Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 13, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Gumiguru 13, 2017

Vanhu vorara kumahofisi ekwamudzviti mumatunhu avo vachida kutora zvitupa izvo vari kutadza kuwana, uye vamwe vachibvisiswa chioko muhomwe kuti vapihwe zvitupa.

Zimbabwe Electoral Commission inoti yakagadzirira zvakakwana chirongwa cheBiometric Voter Registration panguva iyo vanhu vakawanda vari kuenda kunonyoresa kuvhota vari kuti ZEC haina kugadzirira zvakakwana.

Zimbabwe Energy Regulatory Authority inoti vanhu vakawanda munyika vava kushandisa gasi pane magetsi sezvo magetsi ari kuvadhurira zvakanyanya.

Nyanzvi munyaya dzekufambiswa kwemashoko pamadandemutande dzinoti kuumbwa kwebazi idzva rinoona nezvemhosva dzinoparwa paindaneti munongedzo wehurongwa hwehurumende hwekuda kumbunyikidza vanhu kuitira kuti vasatumira mashoko pamadandemutande vakasungunuka.

Sangano rekwaMurehwa rinochengeta nherera reHeather Chimoga Orphan Care rinowana rubatsiro rwemari inoita zviuru zana zvemadhora kubva kuhurumende yeAmerica.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nevanotengesa mumigwagwa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.