Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 11, 2017

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Gumiguru 11, 2017

Vanhu vakawanda vari kunyunyuta nekushomeka kwenzvimbo dzekunyoresa munzvimbo dzakaita seHarare, Mutare nedzimwe nzvimbo panguva iyo Zimbabwe Electoral Commission iri kuti iri mubishi rekunyoresa vanhu kuitira kuti vazovhota musarudzo gore rinouya.

Vagari vekuMashonaland West vanoti nzvimbo dzavari kunyoresa kuvhota hadzina mafomu avanofanirwa kunyora sezvinodiwa kuitira kuti mazita avo aiswe mumishina yeBiometric Voter Registration.

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti Zimbabwe Electoral Commission haina kugadzirira zvakakwana chirongwa chekunyoresa kuvhota.

Nyanzvi munyaya dzekufambiswa kwemashoko pamadandemutande dzinoti kuumbwa kwebazi idzva rinoona nezvemhosva dzinoparwa paindaneti munongedzo wehurongwa hwehurumende hwekuda kumbunyikidza vanhu kuitira kuti vasatumira mashoko pamadandemutande vakasungunuka.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa maonero evanhu vari kunze kwenyika chirongwa chekunyoresa kuvhota.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.