Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 12, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Gunyana 12, 2017

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanovhura paramende vachiudza makurukota avo kuti vaite mabasa eparamende nemazvo, ukuwo mapato anopikisa achishora VaMugabe kuti havana kutaura nyaya dzakakosha dzekuvandudzwa kwemitemo yesarudzo sezvo nyika yatarisana nesarudzo dzegore rinouya.

Vagari vemuguta reMasvingo vanoti havasi kufara nechirongwa che mobile registration icho chiri kuitirwa munzvimbo nhatu chete muguta ravo.

Zvikoro zvinovhurwa vabereki vakawanda vachichema chema nenyaya yekushaya mari dzechikoro.

Kushaikwa kwemari munyika kwovhiringa kuwanikwa kwezvinhu zvinokosha zvakaita semishonga nemafuta edzimotokari panguva iyo VaMugabe vari kutakura mhuri yavo yose nevamwe muhurumende vachienda kumusangano weUnited Nations General Assembly rwendo rwuchashandisa mari yakawanda inofanirwa kunge ichishandiswa mukugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Muchirongwa che The Connection na8pm tiri kutarisa kuvhurwa kwezvikoro pamwe nematambudziko ari kutarisana nevechidiki vari kuenda kuchikoro.