MISORO YENHAU DZANHASI, CHITATU NYAMAVHUVHU 30, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

MISORO YENHAU DZANHASI, CHITATU NYAMAVHUVHU 30, 2017

Mutungamiri webato rePeople’s Democratic Party, Amai Joice Mujuru vanoti nhaurirano nemutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai dziri kuenderera mberi uye vane chivimbo chekuti dzinobudirira.

Vatsigiri veZanu-PF voratidzira muHarare vachishora vanhu vavanoti havasi kuremekedza mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe.

Vanhu vakaremara voratidzira muHarare vachiti kodzero dzavo hadzisi kuremekedzwa.

Vamwe vagari vekuNyamakate mudunhu reMashonaland West vave kuomerwa nehupenyu zvekushaya zvekudya kunyangwe hazvo hurumende iri kuti chirongwa chayo checommand agriculture chakabudirira zvekuzadza matura.

Bato reMDC-T uye sangano reZimbabwe Election Support Network anoti haasi kufara nechirongwa chekutoresa zvitupa vanhu chiri kuparurwa neMuvhuro nehofisi yamabharani mukuru wenyika kana kuti Registra General.

Muchirongwa chedu cheDIASPORA Forum- LiveTalk na8;00pm nhasi, tiri kutarisa zvichemo zvevari kunze kwenyika zvekuti mizinda yeZimbabwe ivawanise mukana wekutora zvitupa kuti vakwanise kuvhota.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.