Misoro Yenhau Dzanhasi, Chipiri Nyamavhuvhu 15, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chipiri Nyamavhuvhu 15, 2017

Amai Grace Mugabe vange vachitarisirwa kumiswa pamberi pedare muSouth Africa vachipomerwa mhosva yekurova zvakaipisisa mumwe musikana wavakawana muhotera aine vanakomana vavo Chatunga naRobert Junior.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti Amai Grace Mugabe vari kunyanya kupindira munyaya dzehurumende.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vazivisa pazuva remauto nhasi kuti hurumende yavo ine chido chekuvakira vanhu dzimba uye kuwedzera mari yemihoro kana hupfumi hwaita zviri nani.

Kuchecheudzwa kwevanhurume kwakambomiswa mumatunhu ose munyika zvichitevera kushaikwa kwemumwe mushonga unorapa tetenasi muzvipatara zvikuru nezviduku zvehurumende.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk-The Connection na8;00pm nhasi, tiri kutarisa nyaya iri kupomerwa Amai Grace Mugabe yekurova mumwe musikana anonzi ainge ari muhotera nevana vavo vakomana kuSouth Africa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu reVOA Shona nekudzvinya pakanzi LIKE.