Misoro Yenhau Dzanhasi, China Nyamavhuvhu 10, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro Yenhau Dzanhasi, China Nyamavhuvhu 10, 2017

Mubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance waita musangano wavo wekutanga muHarare nhasi VaMorgan Tsvangirai vari sachigaro.

Vanopikisa voshora hurumende nekuda kuvaka imwe University kuMazowe inonzi Robert Mugabe nemari inosvika bhiriyoni imwe chete yemadhora nyika ichitatarika kugadzira hupfumi.

USAID inopa sangano reAfricaid mari inosvika mamiriyoni makumi maviri emadhora.

Makanzura nevagari voita musangano mukuru wekuzeya nyaya yemvura muHarare.

Tichakupai zvabuda pamitambo yenhabvu yeCastle Premier Soccer League nhasi

Muchirongwa chedu cheWomens Round Table na8;00pm nhasi, tiri kutarisa zviri kuitwa nemadzimai munyaya dzezvematongerwo enyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti PA 909 AM, 4930, KANA PA 6065, NE 15460 Kilohertz paShortwave.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu nekudzvinya pakanzi LIKE.