Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikunguru 31, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikunguru 31, 2017

Vanhu vakawanda vonetsekana nemashoko emudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, ayo vanoti ava kukonzera kusagadzikana muZanu PF pamwe nemunyika yose.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, inoti yadzokera kumatare kuti ipihwe midziyo yayo yakatorwa nechikonzi nemus weChishanu, ichiti hapana humbowo hunoratidza kuti bato iri rine chikwereti kuvashando varo.

Kanzuru yeHarare yopinda muhurongwa hwekugadzira magetsi ichishandisa marara nesuweji muchirongwa chiri kutsigirwa ne European Union.

Dynamos inorova Triangle 2-1, ukuwo Caps United ichikwaturwa 3-2 neHarare City.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa makakatanwa ari muZanu PF.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.