Poita mhirizhonga pabhodha reBeitbridge vanhu vachiti havasi kufara nedanho rehurumende rekurambidza kupinda munyika zvimwe zvinhu zviri kutengwa kubva kuSouth Africa.
Mapurisa orambidza varairidzi kuratidzira pamahofi egurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa.
Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vanoti mapurisa ari kutsva VaAcie Lumumba.
Masangano evashandio vehurumende ari pasi peApex Council anosunga kuti vashandi varamwe mabasa pamusoro penyaya dzemihoro.
Muchirongwa cheLiveTalk na8.30 pm tiri kurangarira muchakabvu Joshua Nkomo avo vakashaya musi wa 1 Chikunguru 1999.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai whats app panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.
Your browser doesn’t support HTML5
Misoro yeNhau Dzanhasi Chishanu Chikunguru 1, 2016