Misoro yeNhau, Muvhuro Chikunguru 18, 2016

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Misoro yeNhau

Zvizvarwa zveZimbabwe zvoratidzira munyika dzakasiyanasiyana, panguva iyo Pastor Evan Mawarire ve#TagThisFlag vari kusangana nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa.

Mutungamiri weZimbabwe People First Amai Joice Mujuru vanoti bato ravo richadyidzana nenyika dzese dzinoda kubatsira Zimbabwe kana rotonga.

Vamwe vakuru vakuru vemachechi nemasangano akazvimirira ega vanoti vanhu munyika havachina chivimbo nehurumende vachitiwo matambudziko ari munyika ave kuda kuti vanhu vaise misoro pamwe chete.

Musangano mukuru weBato reRepublican, weRepublican National Convention, unotanga nhasi muCleveland, kuOhio muno muAmerica.

Musangano weWorld Aids Conference 2016 unotanga nhasi muSouth Africa.

Muchirongwa cheLiveTalk nhasi na 8:30pm tiri kutarisa nezvekuratidzira kuri kuitwa nevana veZimbabwe munyika pamwe nekunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kustudio7, shandisai whats app panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 KiloHertz pa ShortWave.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro Chikunguru 18, 2016