Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kurume 01, 2017

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro Yenhau Dzanhasi Chitatu, Kurume 01, 2017


Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara zvehurumende zvichitevera kuramwa mabasa kuri kuita vana chiremba nana mukoti.

Mafashamu emvura okonzera matambudziko akawanda kuTsholotsho nemamwe matunhu ari munyika.

Murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa ndokutsakatika muna Kurume 2015, Itai Dzamara, anopihwa mubairo weLife Achievement Award nesangano rinorwira kodzero pasi rose re Amnesty International.

Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vanotaura mudare reCongress pamusoro pehurongwa hwavo hwekuwedzera mari kubazi remauto nemadhora mabhiriyoni makumi mashanu nemana.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa pamire vari kugara nekushanda kunze kwenyika zvichitevera mashoko aVaMugabe ekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanirwa kugara munyika mazvo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.