Kupesana kuri muZanu PF kunobuda kumusangano wepagore webato iri - zvikwata zve Team Lacoste ne G40 zvichiimba nziyo dzakasiyana dzinotsigira vanhu vazvinoda VaMugabe vasati vavhura musangano uyu zviri pamutemo.
Vabereki vakawanda vochema chema nehurongwa hwebazi rezvedzidzo hwekuti vanyorese vana vavo pa internet kuitira kuti vawane nzvimbo dzekudzidza muzvikoro gore rinouya
Studio7 inotarisa zvakaitika kuBritain uko kwaizeyiwa chibvumirano cheLancaster House Agreement
Mumwe munhu akaberekwa muZimbabwe ari murume anozvichinja kuita munhukadzi
Muchirongwa chedu cheLiveTalk nhasi na 8:00pm tiri kuzeya zvakabatsirwa kana kutadza kubatsirwa nechibvumirano cheLancaster House Agreement.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave.
Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona nekudzvinya pakanzi LIKE.
Your browser doesn’t support HTML5