Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Zvita 01, 2021

Misoro yeNhau

Zimbabwe inobatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva reWorld AIDS Day

Mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vaudza musangano wePolitburo kuti kurudziro yekuvandudza mitemo yesarudzo iri kuitwa haina maturo vachiti Zimbabwe yakaisa zvese zvinodiwa neSADC panyaya yesarudzo mubumbiro remitemo.

Mapurisa anoti achiri kuenderera mberi nekutsvaga chakakonzera moto wakauraya mukuru weZimbabwe Investment and Development Agency, VaDouglas Munatsi, nemusi weMuvhuro.

Nyanzvi mune zvehutano dzinoti zvakakosha kuti vanhu vagare vakabaiwa nhomba dzeCovid-19 senzira yekuzvidzivirira kuchirwere ichi kusanganisira mhando itsva yeOmicron variant.

Dzimwe nyanzvi dzezvehutano dzinoti mimwe mitemo yakatarwa nezuro nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, yakananganga nekudzivirira kupararira kwemhando itsva yeCovid-19 inonzi omicron inoratidza kuti havana kutanga vataura nevane ruzivo nezvehutano.

Chirongwa chiri kuitwa nesangano reInternational Committee of the Red Cross chiri kubatsira vamwe vanhu vanenge vasisazivikanwi kuti varipi, mushure mekuenda kunoshava kuSouth Africa, kuti vabatanidzwe nehama dzavo.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naDoctor Tawuya Katso, avo vari kushanda samaneja vezvitoro zvinotengesa zvekudya vari kudivi rekutengwa nekutengeswa kwezvirimwa, kana kuti Agri-Business vari muno muAmerica.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze pamwe nematambudziko azvakatarisana nawo muhupenyu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.