Mapurisa Opomera VaChikwinya naVaMukapiko Dzimwe Mhosva?

Settlement Chikwinya MP Kwekwe

Mapurisa anonzi akabvunzurudza neChishanu nhengo mbiri dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa kwemaawa masere, ndokudzisainisa magwaro ekuda kudzipomera dzimwe mhosva, pamusoro pedzimwe mhosva dzavakabvisira mari yechibatiso.

Vakabvunzurudzwa ava mumiriri weMbizo mudare reparamende, VaSettlement Chikwinya, pamwe nemumiriri weRedcliff, VaLloyd Mukapiko.

Gweta riri kumirira vaviri ava, VaBrian Dube, vanoti mapurisa achashandisa masamanisi kudaidza VaChikwinya naVaMukapiko kuti vanomira pamberi pematare edzimhosva.

VaDube vanoti havazivi kuti mapurisa achapedza riini keferefeta nyaya iyi kuitira vaviri ava vazodaidzwa nemasamanisi.

Kunze kwaVaChikwinya naVaMukapiko, VaDube vanoti vari kumirira vanhu vanodarika makumi manomwe vakasungirwa nyaya dzine chekuita nemhirizhonga yakaitika mwedzi wapera.

VaDube vanoti vamwe vevanhu ava havaneyi nezvematongerwo enyika, uye vamwe vacho vakatorwa vari mudzimba dzavo vasingatombozive kuti kune kuratidzira kuri kuitika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBrian Dube