Mutungamiri weNyika Aobatana neVamwe Vatungamiri kuMusangano weKutsigira Western Sahara

  • Jonga Kandemiiri

Morocco yakapinda muWestern Sahara muna 1975, izvo zvakaita kuti Western Sahara ive ndiyo chete nyika isiri kuzvitonga muAfrica yose.

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vasimuka neMuvhuro vakananga kuSouth Africa kumusangano wemazuva maviri uri kuitwa neSADC wekutsigira nyika yeWestern Sahara kuti iwane kuzvitonga kubva kuMorrocco.

Morocco yakapinda muWestern Sahara muna 1975, inove ndiyo chete nyika muAfrica isina kuzvitonga kuzere.

Musangano weSADC Solidarity Conference on Western Sahara uyu, uri kuitirwa muPretoria, uye uri kupindwa nevatungamiri venyika dzemuSADC, vaimbove vatungamiri, pamwe nemakurukota anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Musangano uyu unotevera mumwe wakaitwa muna nyaMavhuvhu 2018 nevatungamiriri venyika dzemugungano reSADC pavakabvumirana kuzoita musangano wekutsigira Western Sahara uyu.

Vamwe vanoongorora zvematongerwro enyika vanoti mutungamiriri wenyika angadai asina kusimuka zvakare kubuda munyika panguva iyo nyika iri kuchema dambudziko rakakonzerwa nedutumupengo Cyclone Idai.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology, Doctor Ricky Mukonza vanoti musangano weSADC uyu wakakosha zvikuru sezvo nyika dzemuAfrica dzichitarisirwa kuita chirwirangwe panguva yakadai.

Vanoti zvakakoshawo zvikuru kuti VaMnangagwa vabatane nevamwe vatungamiri vachitaura nezwi rimwe chete.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Ricky Mukonza