Varairidzi Vanoratidzira kuMaruwa Vachiti Vari Kuomerwa neHupenyu

  • Jonga Kandemiiri

ARTUZ

Mutungamiri wesangano revarairidzi vekumaruwa re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti vari kufara zvikuru kuti hurongwa hwavo hwekuratidzira vachiburitsa homwe dzezvipfeko zvavo kunze hwavaita neChishanu, hwabudirira chose kunyange hazvo mapurisa avharisa mahofisi avo muHarare.

VaMasaraure vanoti nhengo dzavo dzabatana nevamwe varairidzi vemamwe masangano evarairidzi mumatunhu akasiyanasiyana, avo vapindawo muchirongwa chekuburitsa homwe dzembatya panze senzira yekuratidza hurumende kuti vanhu munyika vari kushupika nekushaikwa kwemari munyika uye nemihoro mishoma yavari kupiwa.

VaMasaraure vanotiwo sangano ravo rawana rutsigiro kubva kumasangano anosanganisira Crisis in Zimbabwe Coalition, Zimbabwe Yadzoka, uye Tajamuka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Masaraure