Hurumende Inoti Ichabatsira neZvese paKuvigwa kwaVaMugabe kwaZvimba

  • Gibbs Dube

Mutumbi waVaRobert Mugabe uri paMurombedzi Growth Point kwaZvimba.

Hurumende inoti yakatambira chido chemhuri yevaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe chekuti ichengetedze mutumbi wavo kumusha kwavo kwaZvimba, kwete kumarinda anovigwa magamba e Heroes’ Acre muHarare.

utumbi uyu wakatakurwa nemusi weChina kuenda kwaZvimba uchibva kumba kwaVaMugabe kuBlue Roof muHarare, pachinzi pakambenge paita kunetsana pakati pemapurisa nemhuri yekwaMugabe, mapurisa achida kurambidza kutakurwa kwemutumbi uyu.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vanoti mhuri yaVaMugabe ine kodzero yekusarudza kwainoda kuradzika vaive mutungamiri wenyika ava, avo vakashaya musi wa 6 mwedzi uno kuSingapore.

VaMangwana vanoti hurumende ichapa rubatsiro rwese rwungatarisirwa pakuradzikwa kwaVaMugabe, avo vakave mutungamiri wehurumende wekutanga pakawana nyika kuzvitonga, vakazovewo mutungamiri wenyika muna 1987.

VaMangwana vanoti havaone mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachienda kwaZvimba kunoonekana kekupedzisira naVaMugabe sezvo vakaonekana navo kare.

Zvinonzi VaMugabe vasati vafa vakati havadi kuti VaMnangagwa vazenge vachitaura pakuvigwa kwavo, asi hurumende yakaramba mashoko aya.

VaMangwana vanoti hurumende yakanga yatotanga kare kuvaka guva remhando yepamusorosoro rainzi rakanga rave kuvakirwa VaMugabe paHeroes' Acre.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya yaTaurai Shava yataverengerwa naMike Hove