VaItai Dzamara Vanorangarirwa muHarare

FILE - Sheffra Dzamara, wife of activist Itai Dzamara, holds her 2-year-old daughter and speaks to The Associated Press in Harare, March 8, 2016. Dzamara was pleading for the return of her activist husband, abducted by suspected state security agents a ye

Vanorwira kodzero dzevanhu vabatana muHarare nemhuri yekwaDzamara vachirangarira kutsakatika kwakaita VaItai Dzamara, avo vasvitsa makore maviri kubva musi wavapambwa nevanofungidzirwa kuti vasori vehurumende.

Vanhu vaungana muAfrica Unity Square vachiratidza kusuwa kukuru.

Mudzimai wemutsakatiki, Amai Sheffra Dzamara, vachichema zvabata moyo yevakawanda.

Vachitaura pachiitiko ichi, Amai Dzamara vashoropodza zvikuru hurumende vakati kunyange hazvo mamwe madzimai vaipemberera zuva remadzimai pasi rose neChitatu, ivo vaive nemisodzi pamatama sezvo zviri pachena kuti hurumende haina hany’a nemhuri yavo.

Amai Dzamara vakumbira kuhurumende kuti ivatauririrewo zvakaitika kune murume wavo kuitira kuti vakwanise kuwana zororo mimoyo yavo.

Munin’ina waVaItai Dzamara, Doctor Patson Dzamara, vatiwo zuva ranhasi rinovasuwisa semhuri. Vapomera hurumende mhosva yekunyepa pakuramba kwayo kuti haina chekuita nekutsakatika kwemukoma wavo

VaEvan Mawarire ve #ThisFlag Movement, avo vakambotiza munyika mushure mekutyityidzirwa nemutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vakurudzira veruzhinji kuti vasatye kushoropodza zvakaipa zvinoitika munyika.

Bishop Ancellimo Magaya veDivine Destiny Network,vatiwo hurumende yeZimbabwe inonyadzisa zvikuru nekusachengetedza zvizvarwa zvayo.

Muzinda weAmerica muZimbabwe wabudisa gwaro rekurangarira VaItai Dzamara. America yakurudzira hurumende kuti ikoshese kutsvaka vakapamba VaDzamara pamwe nekuona kuti vamiswa mumatare.

VaItai Dzamara vakapambwa musi wa9 Kurume 2015 mushure mekuratidzira vari muAfrica Unit Square vachiti VaMugabe vasiye basa.

VaDzamara, avo vakasiya basa rekutora nhau vachiti vava kukurudzira VaMugabe kuti vabve pachigaro kuburikidza nekuratidzira mazuva ose vari muAfrica Unity Square, havana kuzoonekwa kubva musi wavapambwa mumusha weGlenview.

Kunyange hazvo matare akati mapurisa atsvage kuti VaItai Dzamara vakaendepi, kusvika pari zvinho, mhuri yekwaDzamara inoti hapana chavati vaudzwa chine musoro nezvekutsakatika kwaVaItai Dzamara.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa