'Hurombo Kana Hupfumi Hazvinei Nekupinda Kudenga' -Reverend David Simango

Reverend Doctor David Simango

Mufundisi David Simango ve ZAOGA Forward In Faith Church ku Bolton, United Kingdom, vanoshora zvikuru vafundisi vanoita zvevhangeri rehupfumi.

Mufundisi Simango vanoti hurombo kana hupfumi hazvipinzi munhu kudenga. Vanoti hupfumi hahuna kuipa kana munhu achizvishandira zvakanaka achikwanisa kuunganidza hupfumi hwake.

Vanotizve, hurombo hahuiti kuti munhu anzwirwe ngoni dzekupinda kudenga.

Mufundisi Simango vaudza Studio 7 kuti: “Kuparidza uchida mari kwete vanhu hakuna kunaka. Varombo nevapfumi havapindi kudenga pamusoro pehurombo kana hupfumi hwavo. Chinopinza munhu kudenga kugamuchira Jesu Kristu semuponesi wako.”

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naReverend Doctor David Simango