VaMugabe Voshatirisa Vanhu kwaMutare

  • Loirdham Moyo

Vanhu havachada kuti VaMugabe varambe vachitonga

Vagari vekwaMutare vanoti havasi kufara nezviri kuitwa naVaMugabe zvekuda kurambira pachigaro ivo vakadzingwa nebato ravo.

Mumwe mugari, VaKenneth Mutimbe, vanoti VaMugabe vanofanirwa kutambira zvido zvevanhu, voenda pamudyandigere murunyararo.

VaEvans Sithole vanoti nguva yaVaMugabe yakwana, nokudaro ngavaende kunozorora.

VaElton Gowero vanoti VaMugabe vari kutyira hupenyu hwavo nemhuri yavo kana vakabvuma kusiya chigaro chavo pasina zvakasimba zvanyorerwana pasi.

Mutungamiriri webato reZimbabwe Christian Alliance, VaGodfrey Nyatombwe, vanoti nyaya yekuti VaMugabe vasiye chigaro yakatanga kare asi vamwe vaisazviona kana kusazvitsigira.

VaMugabe vaitarisirwa kunge vakabuda pachena kuti vasiya basa, izvo zvavasina kutaura.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Loirdham Moyo