Vanhu ava vari kudawo kuti zvikwereti zvine vagari kubva mugore ra2009 na2010 zvinofanira kukanganwirwa vagari nekanzuru yavo.
Vagari vemuHarare vanotiwo kunyange hazvo vari kupota vachibhadhara mitero kanzuru yeHarare iri kukundikana kuvapa mvura yakachena kana kutakura marara nguva dzose.
Mashandiro ekanzuru iyi ari kuongororwa negurukota rezvematunhu, VaIgnatious Chombo, avo vakatovimbisa kare kuti vachaomesera vari kutadza kuita basa mukanzuru iyi.
Mukuru weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti vari kupa kanzuru kusvika musi wa20 Mbudzi kupindura zvichemo zvavo, uye ikakundikana, vagari vachaenda kumatare.