Vagari veBuhera South Voranga Kuramba Kubhadhara Mitero kuKanzuru Yavo

  • Loirdham Moyo

Vagari veBuhera South vanoda kuti dunhu ravo ribudirirevo

Vagari pamwe nevemabhizimusi vekuBirchenough Bridge kudunhu reBuhera South, kuManicaland, vari kunyunyuta nekushaya budiriro kwenzvimbo yavo kunyange hazvo vachiti vari kubhadhara mari dzemitero kukanzuru yavo. Vagari ava vanoti vava nechisungo chekuti vasabvisa mari dzemitero kudzamara vagutsikana nezvavari kuitirwa nekanzuru.

Vagari ava vanoti kubva pakatarwa kuti Birchenough Bridge yave imwe dzenzvimbo dzichange dziri kuzosimudzirwa kuitwa madhorobha maduku makore anoda kupfuura makumi maviri adarika, hapana chinobatika pabudiriro chakaitwa nekanzuru.

Venharaunda iyi vanoti Birchenough Bridge pamwechete neMurambinda Growth Point zvakatangirana pamwechete pakupiwa chidanho chekuti zvive mizinda yebudiriro kumaruwa asi Birchenough Growth Point yakasarira kwazvo.

Amai Mercy Saize Mtsveta mumiriri wavana muzvinabhizinesi paBirchenough Growth Point. Amai Mtsveta vanoti kunyangwe vachiziva kuti nzvimbo yavo yakatangwa kudomwa kuti ichange ichizova ichisimukira, hapana chiri kufamba asi uku ivo vachibvisa mari kukanzuru yavo yeBuhera Rural District Council.

“Kuno kuBirchenough, kuBuhera South takasungwa neCouncil nendaa yeGrowth Point ino zvichinzi tinoda maDevelopment Levy but maDevelopment Levy acho anoshandi chinyi asi imo muno muri mudondo? Vanotora mari dzedu muno vachinodzishandisa kwaMurambinda, izvozvi Murambinda yava taundi, but Murambinda isecond pamaGrowth points emuno muBuhera, Birchenough ndiyo growth point yekutanga. Nyangwe mukanozvitarisa pakubvisa mari dzemarates isusu kuno veBirchenough tiri number one pakubvisa uye nemitero yacho yemashops, but hapana kana chimwechete chatakaitirwa chinotaridza kuti mari dzedu pane chedzinoshanda.”

Muzvinabhizinesi ava vanoti nekuda kwenyunyuto dzevagari, varovera mwoyo kudombo kuti vave kumbomira kubvisa mari dzemitero kukanzuru yavo. Amai ava vanoti paifanirwa kunge paine musika wemabhazi hapana kana nechimbuzi chekuti vanhu vazvibatsire, asi kanzuru iri kungovabvisisa mari kwemakore nemakore.

VaFrancis Magaa ndivo sachigaro vevagari vekuBirchenough Bridge Growth point. VaMagaa vanoti vanogarochema nekanzuru yavo pamusoro pekusarira kuri kuita nharaunda yavo mune zvebudiriro.

“Zviri kutitambudza ndaa yekuti growth point yedu iyi zvatinobhadhara zvinoenda kunotorwa zvoenda kwaMurambinda, Murambinda waakutokura isusu kuno takafa asi apo panga pagadzirwa zvakanaka asi patofazve. Handizivi kuti Murambinda chii achitora zvinhu zvedu kuendesa ikoko; kuti ndiko kune mahofisi edistrict here hameno? Isusu tinoda kuti panapa pakure pasimukirewo growth point yedu isumukire, pano pachigara pakafa! Hatichazivi kuti tochemera kupi,” vadaro VaMagaa.

VaMagaa vanoti musika wange wovakwa nekanzuru yavo wakaregwa makore gumi apfuura pasina chikonzero chakapihwa asi vagari nevemabhizinesi vachibvisa mari mwedzi wega wega. Vanoti mugwagwa unobva paBirchenough wakananga kwaMurambinda haugadziriswe nenguva izvo zvinoita kuti usafambike; uye chikoro chekanzuru cheBirchenough Bridge Primary hachina makamuri ekudzidzira akakwana.

Vemabhizinesi vanotarisirwa kubvisa madhora zana nemakumi maviri pagore, vane misha muGrowth Point vachibvisawo madhora makumi matanhatu.

VaZodai Chamutsa mumwe mugari wekuBirchenough. VaChamutsa vanochema nerekuti nzvimbo yavo haina migwagwa yetara zvichienzaniswa neyave kwaMurambinda, uye hakuna magetsi emumigwagwa kanawo ma tower lights, anoita kuti vakwanise kufamba usiku, uye kuderedza njodzi dzekubatwa kwiyo kana kubhinywa.

Kanzuru iyi iri kuyambira zvakare vane masitendi munzvimbo iyi ayo vasiri kusimudzira kana kuvaka kuti vachazoatorerwa achitengeserwa vamwe vari kuda zvavo kuvaka nenguva.

Studio7 hainda kukwanisa kutaura naMudzviti weBuhera VaChris Mavhisa sezvo vanzi vange vari mumusangano.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Loirdam Moyo