Nyanzvi dzeHupfumi Dzinoti Matanho eRBZ paMusika weMari yeKunze Anogona Kusashandura Zvinhu

  • Jonga Kandemiiri

Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) Doctor John Mangudya

Dzimwe nyanzvi mune zveupfumi pamwe nevemabhizimusi vanoti hurongwa hwebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe pamwe nehurumende hwekuedza kudzikamisa mutengo wemari yekunze pamusika mutema hunoshanda chete kana hurumende pachezvayo ichibudawo pachena pane zvainenge ichiitawo, kwete kungopomera vamwe mhosva.

Izvi zvinotevera musangano wakaitwa neMuvhuro pakati pebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube, gurukota rezvemaindasitiri Amai Sekai Nzenza, vemabhanga pamwe nevemabhizimusi.

Musangano uyu waizeya pamwe nekutsvaga nzira dzekugadzirisa dambudziko rakonzerwa nekutengeswa kwemari yekunze , pamusika mutema, izvo zvinonzi zviri kukonzeresa kukwira kwemitengo yezvinhu zvakawanda munyika.

Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya vanoti musika mutema uri kukanganisa zvakanyanya kukura kwehupfumi hwenyika, uye kukonzera kusagadzikana munyaya dzemabhizimusi uye kukwidza mitengo yezvinhu.

Imwe yenyanzvi idzi, VaMasimba Kuchera, avo vanoshanda vakazvimirira, vanoti hurumende inofanirwa kunge isingangoona zidanda riri muziso revamwe, asi iyo iine zvigutsa zvairi kuhwandisa, vachiti inofanirwa kujekesa mashandisiro ainoitawo mari yekunze iyi.

Imwe nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vanotiwo mazhinji ematanho akawiriranwa pamusangano uyu akakosha zvikuru zvekuti akashandiswa nemazvo anogona kubatsira kuti pave nekugadzikana munyika.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi uye vaimbotungamira sangano reEmployers' Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukare, vane maonero akasiyana naVaChitambara naVaKuchera sezvo vachiti hapana chitsva pane zvakasungwa pamusangano uyu.

Izvi zvinotsinhirwa neimwe nyanzvi mune zveupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, avo vanoti chaifanirwa kungoitwa nebhanga guru renyika kugara pasi nevemabhizimusi rovaudza kuti richagadzirisa riinhi dambudziko rekunonoka kuvawanisa mari dzavo dzvanenge vahwinha pamusika wemari mari yekunze.

Asi Doctor Chitambara vanoti chikuru chinofanirwa kugadziriswa nebhanga guru renyika nekukasika kugutsa musika wemari yekunze kuburikidza nekuupa mari inoukwanira kuitira kuti vanenge vatenga mari ikoko vasamirire kwenguva ndefu vachiti izvi zvinogona kudzikamisa mitengo yezvinhu uye kudzosa chivimbo munyaya dzezvemari.

Kunze kwekunge bhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe rawanisa musika wemari yekunze mari inoukwanira, ukuwo vemabhizimusi nevemabhanga vachiitawo bandiko ravo, dambudziko remusika mutema richaramba riripo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Jonga Kandemiiri