Mapurisa Anoparura Chirongwa Chinorwisa Mhirizhonga Yakanangana neVanhukadzi Musarudzo

  • Jonga Kandemiiri

Police Commissioner General Godwin Matanga, vagere pakati.

Mapurisa eZimbabwe Republic Police akaparura chirongwa chakanangana nekudzivirira mhirizhonga kumadzimai nevanasikana, zvikuru munguva dzesarudzo.

Mapurisa akaparura chirongwa ichi neChitatu achitsigirwa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu, zvikuru dzemadzimai, muzinda weCanada muZimbabwe, pamwe neNational Prosecuting Authority of Zimbabwe.

Vachitaura pamusangano uyu, mukuru wemapurisa, Commissioner-General Godwin Matanga, vakati mapurisa haasi kuzopeta maoko panyaya dzekushungurudzwa kwemadzimai munguva dzesarudzo.

Vakakurudzirawo madzimai kuti vamhang’are nyaya dzemhirizhonga kana kumbunyikidzwa vasingatyi.

Mukuru anoona nezvezvirongwa musangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe, Amai Sally Ncube, vakatiwo vafadzwa zvikuru nechido chiri kuratidzwa nemapurisa rwendo rwuno mukudzivirira mhirizhonga kumadzimai munguva dzesarudzo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Sally Ncube