'Mwari Pane Chaanoda Kudzidzisa Vana VeZimbabwe' - Mufundisi Levee Kadenge

Reverend Doctor Levee Kadenge

Mufundisi Levi Kadenge vanokurudzira vana veZimbabwe kuti varambe vachinamata sezvo matambudziko avakatarisana nawo achapfuura.

Mufundisi Kadenge, avo vanodzidzisa paUnited Theological College, vanoti Mwari pane chaanoda kudzidzisa vana veZimbabwe mukutambudzika kwavo.

“Kunyangwe hazvo vana veZimbabwe vari munyatwa, vasakanda pasi mapfumo emunamato; ngavarambe vakatarisa muchinjikwa nokuti hapana chimwe chichatiponesa,” vanodaro Mufundisi Kadenge.

Vanoti vanhu vasafunga kuti mhinduro yaMwari yavanonokera nekuti Mwari pane zvaanotirongera, vachiti zvekare, Mwari anoshanda nenzira dzakawanda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMufundisi Levee Kadenge