Sangano rePrayer Network Zimbabwe Ronamatira Nyika

  • Jonga Kandemiiri

Prayer Network Zimbabwe

Sangano rePrayer Network Zimbabwe riri kuita munamato weusiku hwese muHarare senzira yekupeta nayo hurongwa hwekunamatira nyika pamwe nekutsanya hwemazuva makumi mana, uhwo huri kupera neChishanu.

Sachigaro wesangano iri, VaJacob Ngarivhume, vanoti chinangwa chavo chikuru ndechekupa vana veZimbabwe vimbo pamwe nekumutsiridza mweya wavo wekurwira kugara kwakanaka.

Hurongwa hwekunamatira nyika pamwe nekutsanya kwemazuva makumi mana uhwu hwakatangwa musi wa 27 Nyamavhuvhu, uye hwakanga hwakanangana nekunamatira nyika iyo inonzi yasvika pamhararano zvekuti yave kuda ruoko rwaMwari.

VaNgarivhume vanoti munamato uyu uri kuitirwa kumahofisi esangano ravo kuHatfield, uye unotarisirwa kutanga nenguva dzepfumbamwe.

Vanotiwo vakakoka vemapato ezvematongerwo enyika vose, vemakereke vose pamwe nevana veZimbabwe vose, uye vanotarisira kuti vanhu vasiri kukwanisa kuve pamunamato uyu vachanamatawo vari munzvimbo dzavagere dzakasiyanasiyana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJacob Ngarivhume