Mazuva eMusangno weKuzeya Bumbiro Idzva Oramba Achisandurwa

  • Blessing Zulu
Komiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro remitemo yeCOPAC, inoti yave kuendesazve mberi nemazuva mana chirongwa che All Stakeholders Conference. Vatungamiri vehurumende vanonzi vainge vatenderana kuti musangano wekuzeya bumbiro idzva uitwe musi wa 17 Gumiguru kuHarare International Conference Centre, kana kuti HICC.

Asi Zanu-PF neChitatu yakaisa chikumbiro chekuti musangano uyu uitwe musi wa 21 Gumiguru sezvo kuHICC kune musangano wekushanyirwa kwenyika uye veZanu-PF vanoti vanoda kuenda kumusangano uyu.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vari kutarisira kuti pachaita mvongamupopoto pamusangano uyu sezvo pasina kuwirirana kuti poshandiswa magwaro api.

Zanu-PF inoti iri kuda magwaro akaita seNational Report neNational Statistical Report, nekowo MDC yabva yati yave kuunza magwaro ose akashandiswa pakunyora bumbiro kusanganisira mapepa ane zvibvumirano zvose zvakaitwa nemapato vachiisa ruoko rwavo. Nyaya yebumbiro remitemo iyi yaifanira kupera makore matatu apfuura.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakatiwo mumapepa avo kumatare panyaya yesarudzo dze by elections kuMatabeleland, referendamu ichaitwa muna Mbudzi asi veCOPAC vaudza Studio 7 kuti ingangoitwa muna Zvita.

Zimbabwe Electoral Commission yazivisawo neChitatu kuti vanoda zana remamiriyoni emadhora ekuita referendamu.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, nekowo vachiti nyika haina mari.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vanoti zvinhu zvikaiswa mumaoko evezvematongerwo enyika zvinonetsa kubudirira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaEarnest Mudzengi