Bhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, rinoti mari dziri kuendeswa kumabhanga dzawedzera nezvikamu zvinomwe nezviga zvishanu kubva muzana.
Izvi zvapa kuti mari iyi isvike pamabhiriyoni mana nemazana matatu ezviuru zvemadhora.
Mari idzi dzakaiswa mumabhanga kubva muna Kukadzi kusvika muna Gunyana gore rino.
Bhanga iri rinoti vanhu vave kuratidza kuti vave nechivimbo nemabhanga ari munyika. Vamwe vanoti izvi zvinoratidzawo kuti zvinhu zvava kugadzikana munyaya dzehupfumi.
Asi vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLiberal Solutions, VaRejoice Ngwenya, vanoti rwendo rwuchiri rwurefu nekudaro hapana chekurovera maoko.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti kana zvinhu zvisina kugadzikana mumabhanga zvinonetsa kugadzirisawo hupfumi hwenyika.
Zimbabwe yakatarisana nedambudziko remabhanga rakakura zvikuru mumakore a2003 kusvika muna 2004 zvakapa kuti mabhanga akawanda avharwe.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaProsper Chitambara naVaRejoice Ngwenya