Dare Ropa Mutongo Waro paNyaya yeVashandi veNRZ neChipiri

  • Jonga Kandemiiri

Vashandi veNRZ vanoratidzira.

Nyaya yekuramwa mabasa kwevashandi vekambani ye National Railways of Zimbabwe, NRZ, yapinda mudare re labour court muBulawayo neChishanu zvichitevera kukwira kwakaita NRZ kudare iri ichiti kuramwa mabasa kwevashandi uku kuri kunze kwemutemo.

Nyaya yekuramwa mabasa kwevashandi vekambani ye National Railways of Zimbabwe, NRZ, yapinda mudare re labour court muBulawayo neChishanu zvichitevera kukwira kwakaita NRZ kudare iri ichiti kuramwa mabasa kwevashandi uku kuri kunze kwemutemo.

Mutongi wedare iri, Evangelista Kabasa, vanonzi vati achapa mutongo wavo nemusi weChipiri svondo rinouya.

Mumagwaro ayo kudare iri, NRZ inoti vashandi vayo vanosvika mazana mapfumbamwe nemakumi mana nevaviri havana kupa chiziviso chemazuva gumi nemana chekuti vachapinda pakuramwa mabasa.

Masvondo maviri adarika gurukota rezvemabasa nevashandi, Amai Prisca Mupfumira, vakakurudzira vashandi ava kuti vadzoke pamabasa vachimirira kuti nyaya yavo inzwikwe kudare asi vashandi havana kutambira kurudziro iyi.

Vashandi vanoti vakapinda pakuramwa mabasa kuburikidza nezvinhu zvakawanda zvinosanganisira mashandiro avo pamwe nekusauya kwemihoro yavo.

Vashandi ava vanoti vave nemwedzi inodarika gumi nemishanu vasati vatambiriswa mari dzemihoro idzi.

Mutungamiri werimwe sangano rinomirira vashandi veNRZ, re zimbabwe Amalgamated Railways Workers’ Union, VaKamurai Moyo, vanoti NRZ inofanirwa kubhadhara vashandi vayo kana ichida kuti varambe vari pamabasa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKamurai Moyo