Sangano Re PTUZ Rinoshora Mari Yapiwa Kune Zvedzidzo Mubhajeti reGore Rinouya

Takavafira Zhou

Sangano rinomiririra varairidzi, re Progressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ) rinoti mari yagoverwa kunezvedzidzo mubhajeti yegore rinouya ishoma zvakanyanya.

Gurukota rinoona nezvemari, VaMthuli Ncube, vakapa mabhirioni masere emadhora kune zvedzidzo asi mukuru we PTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vaudza Studio 7 kuti mari iyi ishoma kana tichienzanisa nemamwe mapazi ehurumende ane vanhu vashoma.

“Kupa bazi redzidzo mabhirioni masere nehafu emadhora anofanira kuti aende muzvikoro zviuru zvipfumbamwe zvine mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu anezvipfumbamwe (9,959) munodzidziswa vana vechikoro vanoita mamirioni mesere nevarairidzi vanopfuura zviuru zana nemakumi mana (140,000) asi tichipa vanhu vemauto vasingasviki zviuru makumi natanhatu mabhirioni matatu emadhora, hazvienderani,” Doctor Zhou vakaudza Studio 7.

Vati zvekare: "Mari yapiwa zvedzidzo haikwani, zvikuru sei kana tikatarisa zvidzidzo zvitsva zvatinosungirwa kurairidza vana asi zvisati zvapiwa mari yekutenga zvinofanirwa kushandiswa mukudzidzisa vana zvidzidzo zvitsva izvi."

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou