Murwiri wekodzero VaSten Zvorwadza, vanotungamirira zvakare sangano reNational Vendors Union Zimbabwe vanoti varohwa zvakaipisisa nemapurisa pakamba yemapurisa yeHarare Central Police Station apo vange vachiedza kuendesa zvinyorwa zvino kurudzira kuti gurukota rezvekutongwa kwematunhu VaSaviour Kasukuwere vasungwe.
VaKasukuwere vari kupomerwa mhosva yekuita zvehuwori mukugoverwa kwemasitendi ekuvakira dzimba kune vechidiki vebato ravo reZanu PF.
VaZvorwadza, avo vamhanyiswa kuchipatara chemuHarare, vanoti vange vane mumwe murume anove shamwari yavo apo varohwa nemapurisa.
Vanoti vaonawo vatori venhau nemamwe madzimai vange vachizvifambira zvavo vachirohwawo nemapurisa pachiitiko ichi.
Sten Zvorwadza
"Ndiri kurwadziwa nehuwori hwaVaKasukuwere vari kungosiiwa vachiita madiro aJojina, saka ndafunga kuendese zvinyorwa kuHarare Central Police Station zvekuti vasungwe. Asi ndashamiswa ini nevamwe tichi tambirwa nemapurisa ini ndikarohwa zvakaipisisa," VaZvorwadza vaudza Studio 7.
"Ikodzero yangu kuti ndiratidzire kana ndisiri kufadzwa nemafambiro ari kuita zvinhu munyika, asi ndashamiswa ndichi zvindikitwa uye vamwe vatori venhau vange vari panzvimbo iyi vachirohwawo. Mamwe madzimai ange ari kupfuura nepandanga ndichirohwa varohwawo," VaZvorwadza vaenderera mberi.
Vanoti havasi kuzoregedza kuenderera mberi nekuratidzira kana vachinge vanaya, asi pavataura neStudio 7 vange vari kuchipatara uko vange vachirapwa mushure mekurohwa uku.
"Vanogona kundikuvadza asi havakwanise kutora rudo rwenyika nerudo rwehutongi hwejechetere huri mumwoyo mangu," VaZvorwadza vaudza Studio 7.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro NaVaSten Zvorwadza