Musungwa Anoshaya Zvichitevera Kushungurudzwa Kwaanonzi Akaitwa neMapurisa

  • Jonga Kandemiiri

VaTafadzwa Hilton Tamangani vanonzi vashaya vari mumaoko eZimbabwe Prisons And Correctional Services mushure mekutochwa nemapurisa.

Mumwe wevanhu vakasungwa nemapurisa muHarare mukutanga kwesvondo rino, VaTafadzwa Hilton Tamangani, vanonzi vashaya vari muhusungwa kujeri reHarare Remand Prison muHarare uko vanga vari vakamirira kutongwa.

VaTamangani, avo vairarama nekutengesa muguta reHarare, vakasungwa pamwe chete nevamwe gumi nemumwe chete vachipomerwa mhosva yekuve nechekuita neheremeti dzemapurisa dzinonzi dzakawanikwa dzakavigwa muhwaro hwechivakwa cheRobison House muHarare.

Hurumende yatsinhira nezvekushaya kwavo uku kuburikidza nemashoko aburitswa nemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, avo vati pane mumwe murume ashaya ari muhusungwa akamirira kutongwa.

Mumashoko avo kuvatori venhau, VaMangwana vati murume uyu, uyo vasina kudoma nezita, akasungwa asinganzwe zvakanaka asi akabva aonekwa navanachiremba pakarepo kuti abatsirwe.

Vatiwo ndufu dzose dzinoitika munhu ari muhusungwa dzinoferefetwa zvizere, vachiti pari zvino vamirira kunzwa kuti chii chakonzera kufa kwake kuburikidza neongororo ichaitwa navanachiremba, kana kuti postmortem.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMarufu Mandewere

Asi gweta riri kumirira vasungwa ava, VaMarufu Mandewere, vari kupomera mapurisa pamwe nevekumajeri mhosva yekuve nechekuita nekushaya kwaVaTamangani.

VaMandewere vanoti mapurisa akatocha vasungwa ava kusanganisira VaTamangani zvakanyanya, uye vekujeri reHarare Remand Prison kwavanga vari vakaramba kuti vaendeswe kuchipatara kana kuonekwa navanachiremba vachiti vaida kutanga vaona tsamba inobva kudare redzimhosva.

VaMandewere vanoti vachatora matanho ekusungisa vekumajeri veZimbabwe Prisons and Correctional Services nekuti varatidza kuti havana kuita basa ravo ravakanzi vaite nedare nemazvo.

Mukuru wesangano reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VISET, VaSamuel Wadzayi, vanoti VaTamangani yaive nhengo yesangano ravo yaiedzawo kuzviraramisa kuburikidza nekutengesa mumigwagwa yemuguta reHarare.

VaWadzayi vanoti chiitiko ichi chinotyisa vanorarama nekutengesa sezvo chichiratidza kuti kodzero dzekurarama kwevao hadzisi kuremekedzwa nemapurisa pamwe nevemutemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSamuel Wadzayi

Studio 7 yakundikana kubata Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe divi remapurisa pazvipomerwa zvekuti ndivo vakonzeresa kushaya kwaVaTamangani kuburikidza nekuvashungurudza vari muhusungwa kwavakaita.