VaMnangagwa Vanoti Zimbabwe Ichave neMari Yayo Gore Risati Rapera

VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti vanotarisira kuti nyika inenge yave nemari yemu Zimbabwe gore rino risati rapera.

VaMnangagwa vataura mashoko aya apo vange vachibatsira mukuchenesa nzvimbo ye Southlea muHarare

VaMnangagwa vati hurumende yagadzira zvirongwa zvichaita kuti Zimbabwe ive nemari yayo nekuti nyika haingabudiriri kana ichishandisa mari yekune dzimwe nyika.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi hwenyika uye vari mukuru we Labour and Economic Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vati izvi hazvisi kuzoitika gore rino nekuti pane zvinhinji zvinofanirwa kuitwa Zimbabwe isati yave nemari yayo.

Doctor Kanyenze vaudza Studio7 kuti vanhu havana chivimbo nemabhanga pamwe chete nehurumende nekuti Zimbabwe payakamboita mari yayo, vanhu vakarasikirwa nemari dzavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Godfrey Kanyenze