Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vanodoma Chikwata chaVanachipangamazano

  • Blessing Zulu

Mutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neChitatu vakadoma chikwata chevanhu makumi maviri nevatanhatu chichashanda sezvipangamazano zvavo, kana kuti 'Presidential Advisory Council'.

Asi vamwe vanhu vakadomwa vanoti vange vasati vaudzwa zviri pamutemo, uye vamwe vakaita semunyori mukuru weZimbabwe Council of Churches, Doctor Kenneth Mtata, vanoti vakadomwa havo asi pari zvino havaone zvakakodzera kuti vaite basa iri nekuti vakawandirwa nemamwe mabasa.

Munyori mukuru mudare remakurukota Doctor Misheck Sibanda vakazivisa vatori venhau kuti VaMnangagwa vainge vadoma vanhu vanotevera kuti kupinda mukanzuru iyi: Amai Divine Ndhlukula, Muridzi weZimbabwe Independent neNewsday VaTrevor Ncube, nemutevedzeri wemutungamiri weAfrican Development Bank VaThomas Zondo Sakala.

VaSibusiso Moyo, VaJoe Mtizwa, VaLewis Maxwell Musasike, Dr. Nobert Mugwagwa, Dr. Godfrey Sikipa, VaRemigius Makumbe, VaSimbarashe Mangwengwende, Dr Lindiwe Sibanda, VaAenias Chuma, VaEdwin Manikai, VaSam Malaba, Muzvinafundo Kuzvinetsa Nzvimbo, Amai Natalie Jabangwe, Amai Janah Ncube, Dr Shingi Munyeza, VaSimon Hammond, VaRichard Wilde, VaKudakwashe Tagwirei, Muzvinafundo Robson Mafoti, VaMfaro Moyo, VaElisa Ravengai naVaHerbert Nkala ndevamwe vari muchikwata ichi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGilbert Muponda

Muzvinabhizimisi vari nhengo yeZanu-PF VaGilbert Muponda vanoramba maonero evanwe ekuti VaMnangagwa vakazadza chikwata ichi neshamwari dzavo dzinosanganisira VaTagwirei nevamwe, vachiti zvakaitwa nemutungamiri wenyika ndizvo chaizvo sezvo vakatora vanhu vane hunyanzvi hwakasiyanasiyana.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachiita zvidzidzo zvepamusorosoro paUniversity of Johannesburg muSouth Doctor Pedzisayi Ruhanya vanoti nyika kaina dambudziko rezvipangamazano kwete, asi kuti ine dambudziko rehutongi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Pedzisai Ruhanya