VaMnangagwa Vanotadza Kuenda kuMusangano Wavo kuHwange

  • Thomas Chiripasi

President Mnangagwa vari pane umwe musangano webato ravo.

Vanhu vange vaungana muHwange Stadium vakamirira kunzwa mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vachitaura varwadziwa zvikuru mushure mekunge vaudzwa kuti VaMnangagwa havachauyi.

Vamwe vevanhu ava vasvika munhandare iyi nenguva dzekuma 7 mangwanani vachitarisira kuona nekunzwa kubva kumutungamiri webato ravo reZanu PF.

VaMnangagwa vange vasvika mudhorobha reHwange nechikopokop nguva dzekuma 11 mangwanani vakaparura kuvandudzwa kweHwange Thermal Power Station muHwange mekare.

Studio7 nevamwe vatori venhau vemapepanhau nenhepfenyuro dzakasiyana siyana varambidzwa kuve pachiitiko ichi zvichinzi kwange kuchidiwa vakakokwa chete.

Chikopokopo chaVaMnangagwa chazoenekwa chichipfuura nechekumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kwenhandare.

Sachigaro weZanu PF kuMatabeleland North, VaRichard Moyo, vaudza vanhu kuti VaMnangagwa havachakwanisi kuuya kumusangano sezvange zvakarongwai.

Hapana chikonzero chapiwa naVaMoyo kuti sei VaMnangagwa vasina kuuya pamusangano wavange vachitarisirwa.

Mumwe mutsigiri wechidiki weZanu PF angozvidoma nezita rekuti Justice ati arwadziwa zvikuru sezvo ange akatarisira kuona VaMnangagwa mbune kekutanga muhupenyu hwake.

Mumwewo murume uyo asina kuda kudomwa nezita ati anoona chiri chinhu chisina kunaka uye chinoratidza kuzvidza vanhu kuti mhomho yevanhu iswere yakamisirwa pasina.

Asi vamwe vanoti kutadza kuuya kwaVaMnangagwa pamusangano wanhasi kunogona kuve nechekuita nekutyira hupenyu hwavo mushure mekuputika kwebhambu kwakaitika munhandare yeWhite City muBulawayo pakupera kwesvondo.

Munhandare yeHwange mange mune masoja ane pfuti pamwe nemapurisa ane imbwa idzo dzange dzichishandiswa kusecha vanhu vachipinda munhandare.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi