VaMnangagwa Vanodoma Dare reMakurukota

VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vadoma dare ravo remakurukota makumi maviri rinosanganisira nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaMtuli Ncube, segurukota rezvemari, pamwe nenyanzvi munyaya dzemitambo, Muzvare Kisrty Covenrty, segurukota revechidiki nemitambo.

Vamwe vadomwa kuva makurukota ndiAmai Oppha Muchinguri Kashiri, vaitwa gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika; VaJuly Moyo vaitwa gurukota rezvemaguta nematunhu; VaSibusiso Moyo vachiitwa kugurukota rekudyidzana nedzimwe nyika, chinzvimbo chavanga vainacho kubva gore rapera, apo mauto akapindira mukubvisa vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro.

VaMnangagwa vadomawo vatevedzeri vemakurukota vemapazi gumi nematatu uye bazi rezvekurima richaramba riine vatevedzeri vaviri.

VaDouglas Karoro naVaVangelis Haritatos ndivo vatevedzeri vebazi iri.

VaVictor Matemadanda ndivo mutevedzeri wezvekudzivirwa kwenyika nevakarwira hondo yerusunguko; VaEdgar Moyo ndivo mutevedzeri wedzidzo yePrimary neSecondary; VaLovemore Matuke vaitwa mutevedzeri mubazi rezvevashandi, ukuwo VaFortune Chasi ndivo vaitwa mutevedzeri mubazi rezvekutakurwa kwezvinhu.

Amai Yeukai Simbanegavi ndivo mutevedzeri wevechidiki, VaRajeshakumart Modi vaitwa mutevedzeri webazi rezvemaindaisitiri, uye VaMike Madiro ndivo mutevedzeri wezvemukati menyika.

VaManngagwa vadomawo makurukota ematunhu mapfumbamwe kusiya kweHarare vachiti vachiri kuona kuti vachaita sei sezvo nhengo zhinji dzeZanu PF dzakakundikana musarudzo.

Vapfumbamwe ava ndevanoti, Amai Judith Ncube Bulawayo, Muzvare Mary Mliswa - Mashonaland West, Appolonia Munzverengi - Mashonaland East, Amai Monica Mavhunga - Mashonaland Central, Amai Ellen Gwaradzimba - Manicalanda, VaEzra Chadzamira - Masvingo, VaAbdenico Ncube - Matabeleland South naVaRichard Moyo kuMatabeleland North.

Makurukota aya achatora mhiko yekutanga basa nemusi weMuvhuro.

VaMnangagwa vati vanovimba nemakurukota avadoma uye achaita basa rekusimudzira hupfumi nehupenyu hwevanhu.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vaudza Studio 7 kuti vamira kuona kuti makurukota aya achapihwa mukana wekuita basa rawo zvakanaka here uyewo kuti paiswa mitemo inovabvumidza kuita izvi.

Vanongorora nyaya dzehupfumi vanoti VaMnangagwa vaita zvakanaka nekudomwa nyanzvi mumapazi akaita seremari nehutano pamwe nekusendeka mamwe makurukota ange agara achingotenderera muhurumende kwenguva yakareba.

Nhengo yebhodhi resangano rePlatofrm for Youth Development, VaOwen Dhliwayo, vaudza Studio 7 kuti vafara nekudomwa kwevechidiki kuti atungamiri bazi revechidiki.

Mumwe mugari wemuHarare, Amai Hildah Shumba, vati vanoona sekuti VaMnangagwa vasarudza makurukota ane hunyanzvi.

Pavabvunzwa kuti sei vange vasina kudoma nhengo dzebato rinopikisa reMDC mudare ravo, VaMangagwa vati hapana kumbogara paita nhaurirano nebato ravo uye vadoma makurukota avo sezvinodiwa nebato ravo reZanu PF.

Mamwe makurukota asendekwa ange ave nenguva achingotenderera muhurumende, ndiVaObert Mpofu, VaPatrick Chinamasa, VaJosaya Hungwe naVaDavid Parirenyatwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya