VaMnangagwa Vanosangana neMadzishe ekuMatabeleland Vachizeya Nyaya yeGukurahundi

Gukurahundi Exhumations

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasangana nemadzishe ekuMatabeleland vachikurukura nyaya yeGukurahundi. Vane ruzivo nezvaitika vanoti musangano uyu wawirirana kuti madzishe avige patsva vanhu vakafira mumatunhu avo munguva yeGukurahundi.

APTOPIX Zimbabwe Independence Celebrations

Zvinonzi madzishe aya apihwa masimba ekuita basa iri uye kana achida zvikwanisiro, anofanirwa kuzivisa hofisi yaVaMnangagwa.

Asi hazvina kunyatsojeka kuti rubatsiro rwanzi rwuchapihwa madzishe aya rwunenge rwuchivambiswa seyi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, sezvo vanga vasingabatike panharembozha yavo.

VaMnangagwa, avo vaive gurukota muhurumende yamuchakabvu VaRobert Mugabe munguva yeGukurahundi, vanonzi vaita misangano yakati wandeyi vachitaura pamusoro peGukurahundi kubva zvavasarudzwa semutungamiri wenyika muna 2018.

Asi mukuru weHeal Zimbabwe Trust, VaRashid Mahiya, vanoti zvakakosha kuti madzishe agara pasi nemutungamiri wenyika achikurukura dambudziko reGukurahundi.

Rashid Mahiya Heal Zimbabwe

Asi vati VaMnangagwa, semunhu aive pamberi muhurumende yakaita kuti vanhu vaurayiwe nemasoja eFifth Brigade, havafanirwe kunge vachitungamira nyaya dzine chekuita neGukurahundi.

VaMahiya vati nyaya iyi inofanirwa kunge ichibatwa nekomisheni yeNational Peace and Reconciliation Commission, sezvo iri iyo yakapihwa simba nebumbiro remitemo yenyika kuita basa rakadai.

VaMahiya vati nyaya yeGukurahundi inoda kuti patange pataurwa chokwadi, akatadzira mumwe abude pachena achibvuma kuti ndizvo zvaakaita, poitwa hurukuro dzekuregererana pamwe nekuripa vose vakatadzirwa.

Vanhu vanodarika zviuru makumi maviri vanonzi vakafa munguva yeGukurahundi muatunhu eMidlands neMatabeleland, uye hurumende, kusvika pari zvino, haisati yabvuma kana kukumbira ruregerero izvo iri kukurudzirwa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu kuti iite.

Gukurahundi

Izvi zvakaitika kubva muna 1983 kusvika muna 1987.

Kuurayiwa kwevanhu kwakazopera mushure mekunge vaive mutungamiri weZapu, muchakabvu Doctor Joshua Nkomo, vaita chibvumirano chekushanda pamwe chete naVaMugabe muna 1987.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRashid Mahiya