Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vayambira vashandi vehurumende kuti vashande nemoyo yavo yose mukusimudzira zvinangwa zvehurumende zvekumutsurudza hupfumi hwenyika.
Vachitaura pakuvhura gungano reZimbabwe International Trade Fair zviri pamutemo, VaMnangagwa vati kutaura kusina mabasa kana zviito zvinobatika, hakubatsire nekudaro zvakakosha kuti vashandi vehurumende vazvipire mukusimudzira chinangwa chehurumende yavo chekumutsurudza hupfumi.
VaMnangagwa vati avo vanowanikwa vachiramba kushanda sezvinotarisirwa vachaburitswa muhurumende.
VaMnangagwa varumbidza ZITF vachiti inobatsira kusimudzira hupfumi hwenyika nekupa hwaro hwekuratidza zvakasiyana-siyana zvinogadzirwa kana kuitwa munyika pamwe nekupa mukana wekuzeya matambudziko ari kusangana nevemabhizimisi.
Vati donzvo reZITF rinoenderana nerehurumende yavo rekuti nyika ibudirire munyaya dzezvehupfumi.
Vatiwo kunyange hazvo hurumende yavo iri kukoshesa kuvaka hushamwari nenyika dzepasi rose, zvakakosha kuti vemabhizimisi vemuno vasapeta maoko avo asi vatore mikana iripo yekuvandudza makambani avo.
Vasati vavhura ZITF, VaMnangagwa vambotora nguva yekushanyira zviratidzwa zvakasiyana-siyana vakati vafadzwa zvikuru nezvavaona.
Zvichakadaro vamwe vevari kuratidzira zvigadzirwa zvavo varumbidza gungano iri vachiti rinovapa mukana wekushambadza zvinhu zvavo kuvanhu vakawanda.
Mumwe weavo ndiMuzvare Rosemary Vambe avo vanogadzira mbatya dzinoziikanwa kuti African Attire avo vati kambani yavo iri kukura nekuda kwekuti vave nemakore akawanda vachiratidza zvinhu zvavo paZITF.
VaBukhosi Ncube vanoshanda neimwe kambani yekuSouth Africa inonzi Voltex iyo inogadzira zvinhu zvemagetsi zvakasiyana-siyana, vati aka ndekekutanga kambani iyi ichiratidza zvainogadzira vachitiwo vanofunga kuti izvi zvichabatsira kuti bhizimisi ravo rikure.
Gungano reZITF regore rino ndere chimakumi mashanu nepfumbamwe uye vakuru vakuru vekambani yeZITF vanoti vari kufadzwa nekuti gungano iri riri kuramba richikura kana kuchitariswa huwandu hwevanouya kuzoratidza zvinhu zvavanoita kana kugadzira.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya ina Taurai Shava