MaSeneta ekuAmerica Okurudzira Kuti Kukasike Kudomwa Mumiriri Anoenda kuZimbabwe

  • Blessing Zulu

Seneta Cory Booker, vanomirira dunhu reNew Jersey

Mamwe maseneta maviri ekuAmerica akange ari kuZimbabwe mavhiki mashoma adarika, anoti VaJeff Flake, vekuArizona, naVaCory Booker, vekuNew Jersey, vakasimudza nyaya yeZimbabwe apo paibvunzurudzwa VaMike Pompeo nedare reSenate vasati vatora mhiko yekuva munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, kana kuti Secretary of State.

Dare reSenate rakaita hurukuro idzi muWashington DC mudare reCapital Hill.

VaFlake vakati America inofanira kutumira mumiriri kuZimbabwe nechimbi chimbi mushure mekunge Ambassador Harry Thomas Junior vasiya basa, vachiti Zimbabwe ine sarudzo dzakakosha gore rino

VaPompeo vakavimbisa kuita izvi vachishanda nemutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump.

VaBooker vakati America inofanira kusimbaradza kudyidzana neZimbabwe, sezvo vekuChina vakawanda vave kupinda muZimbabwe. Vakatiwo vanhu vemuZimbabwe nedzimwe nyika vari kuona sekunge America iri kuvaregerera.

America yakatemera vanwe vakuru veZimbabwe zvirango uye inoti zvinobviswa kana chete vakaita sarudzo dzakachena, uye kuremekedza kodzero dzevanhu.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa mavhinga, vanoti zvakakosha kwazvo kuti America inge iine mumiriri muZimbabwe, zvikuru mukumutsiridza hukama hwenyika mbiri idzi, pamwewo nesarudzo dziri kutarisirwa muZimbabwe, kuitira kuti America igozvionera yoga pamhino sefodya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga