Mubato reZanu-PF mune kunetsana kwakanyanya uye svondo rino kuManicaland, Midlands neMashonaland East kuri kutarisirwa kudzingwa mubato vanhu vakawanda.
Vari kuda kudzingwa ava vanofungidzirwa kuti vanotsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevanonzi vanotsigira Amai Joice Mujuru avo vakadzingwa kare mubato.
Mubato iri maita kugeda geda kwemeno nenyaya iyi zvapa kuti pabutsiranwe makano nevanonzi vari kutsigira mudzimai wemutungamiri webato, Amai Grace Mugabe nechikwata chavo cheG-40 nevamwe vanonzi vanotsigira VaMnangagwa.
Mauto anonzi arimo muzvikwata izvi uye mamwe acho anonzi anototsigira Amai Joice Mujuru vakatandwa mubato iri.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaudzawo vatsigiri vebato ravo kumusangano wepagore weNational Conference kuVictoria Falls kuti vamwe muchiuto, vasori nemapurisa vave kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika panyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chavo vachiti vanofanira kumira kuita izvi.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika nechiuto dzinoti mashoko aVaMugabe anotyisa asi haashamise nekuti chatove chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga kuti vemauto vanopindira munyaya dzezvematongerwo enyika muzimbabwe.
Nyanzvi munyaya dzechiuto vachishanda neUniversity of South Africa, Retired Lieutenant Colonel Doctor Martin Rupiya, vanoti mashoko aVaMugabe panyaya yemauto akadzama.
Mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanotiwo muchato pakati pemauto nebato reZanu-PF wakatanga munguva yehondo.
Muna 2002, musarudzo yemutungamiri wenyika, mushakabvu General Vitalis Zvinavashe, avo vaive mukuru we Zimbabwe National Army panguva iyi, vakadaidza vatori venhau vakati vaida kubuda pachena kuti vakuru vemauto vaizotsigira chete munhu akarwa hondo yerusununguko.
Vakawanda vanoti mashoko aya ainge akanangana nemutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai.
Doctor Rupiya vanoti ikozvino Zanu-PF yave kuchinja nekuti pada zvabuda pachena kuti chikwata chinozivikanwa nekuti Generation 40 chinosanganisira mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, chine vanhu vasina kuenda kuhondo uye chine rutsigiro rwaVaMugabe.
Mashoko aya atsinhirwawo naVaGiles Mutseyekwa avo vaimbova muchiuto uye vari nhengo yeMDC-T.
Zvekupindira munyaya dzezvematongerwo enyika hazvina kuguma naVaZvinavashe.
Muna 2008 pasati paitwa sarudzo yemutungamiri wenyika yechipiri, Army Chief of Staff, Major General Martin Chedondo, vakaudza mauto kuti vainge vatora mhiko yekutsigira VaMugabe chete uye abayiwa ngaabude.
Muna 2011, mumwe mukuru wemauto, Brigadier General Douglas Nyikayaramba, vakatiwo VaTsvangirai vainge vari mhandu yeZimbabwe.
Mashoko aya akadzokororwawo muna 2012 naMajor Martin Chedondo avo vakati semauto havana kana chekunyara panyaya yekuti vanotsigira VaMugabe.
Muna 2013 mukuru wemauto, General Constantine Chiwenga, vakaramba kusangana nevaive mutungamiri wehurumende muhurumende yemubatanidzwa, VaTsvangirai, vachiti havasangane nevanhu vanotengesa nyika.
Asi pose paitaurwa mashoko aya VaMugabe vanonzi havana kuda kutsiura mauto kuti vainge vopinda nemwenje mudziva uye vainge vachityora bumbiro remitemo rinovadzivisa kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.
VaMutseyekwa vanoti vakagara vataura kare kuti Zanu-PF yainge yotyora mutemo nekupinza mauto munyaya dzezvematongerwo enyika asi veZanu-PF vakasarudza kupembedza n’anga yazopumha mai huroyi.
VaRuhanya vanoti kunyange vemauto vachipindira zvinonetsa zvekare kuti vanyanye kusimudza musoro kana VaMugabe vari panyanga nekuti vane simba rekuvadzinga basa.
Kunyika dzakaita seChina dzechi communist kana dzaive pasi pehutongo hwakadai dzakaita seRussia, mauto kazhinji ane chekuita nezvematongerwo enyika sezviri kuitwa muZimbabwe.
Asi VaRupiya vanoti izvi zvave kuchinja uye yainge iri shuviro yavo kuti Zimbabwe itevedzere zvoitwa nasahwira wayo wepedyo-China.
Kunyange hazvo bato reZanu-PF rakati VaMugabe chete ndivo vachamirira bato iri semutungamiri wenyika musarudzo dzemuna 2018, izvi hazvisi kumisa hondo yekurwira chigaro chavo sezvo vakawanda mubato ravo vari kuti vakwegura sezvo vave nemakore makumi mapfumbabwe nerimwe ekuberekwa.
Vakawanda vanotenderana kuti bato reZanu-PF pari zvino rakasungwa nehutare chete nekuti VaMugabe vari panyanga asi kana vasisipo panotyirwa kuti pachaitwa bata murefu bata mupfupi ichasanganisawo vechiuto zviri kupa kuti remangwana renyika riite mhute.
Izvi zvinonzi zvichapawo kuti vanoda kutanga mabhizimisi munyika vambomira sezvo pasina anoda kusungirira mari pagumbo rengwe.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Blessing Zulu