Mutungamira webato rinopikisa reAfrican National Party, VaEgypt Dzinemunhenzva, vanoti vari kutarisira kuti musarudzo dzemuna 2018 vachakunda mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vanoti vari kutonga nedemo izvo zvapa kuti nyika itatarike.
Vanhu vakawanda munyika vari kugunun'una vachiti hupfumi hwaenda kumawere vanhu vakawanda vachibuditswa mabasa vamwe vachishaya zvekudya.
VaDzinemunhenzva munhu anonzi nevakawanda munyika anounza mufaro muvanhu munguva yesarudzo kwete nekuti vanenge vachida kuvavhotera, asi kuti vanhu vanenge vachitovaseka.
Asi VaDzinemunhenzva vanoti rwendo rwuno vanokunda kunyangwe vachiti havadi kufukura hapwa kuti vachaita sei vachiti vangazochenjedza nyamukuta kuzvara vachada.
VaDzinemunhenzva vane makore ekuberekwa makumi matanhatu nemapfumbamwe.
Kubva muna 1990 vange vachingokwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika asi vachiwana vanhu vanovavhotera vashoma zvikuru.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaEgypt Dzinemunhenzva