Zimbabwe Yonetsana naAmai Hillary Clinton paNyaya yeNgochani

  • Blessing Zulu

Amai Hillary Rodham Clinton

Amai Clinton pamwe nemamwe masangano anopa rubatsiro ari pasi peUnited Nations vakashora mutungamiri wenyika vaVaRobert Mugabe nekushoropodza kwavakaita tsika yechingochani apo vakataura pamusangano weUnited Nations.

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika VaClifford Mashiri avo vakamboshanda kumuzinda weZimbabwe kuEthiopia vari kuyambira hurumende yeZimbabwe kuti irege kukokera mhepo yakasenga mamera mutswanda nekutukirira vari kukwikwidza musarudzo dzekumirira maDemocrats muAmerica, amai Hillary Clinton.

Amai Clinton pamwe nemamwe masangano anopa rubatsiro ari pasi peUnited Nations vakashora mutungamiri wenyika vaVaRobert Mugabe nekushoropodza kwavakaita tsika yechingochani apo vakataura pamusangano weUnited Nations.

Asi mai Clinton vakatosvorana neZimbabwe apo vakati Zimbabwe ine vamwe vari kuita zvechingochani vari mutirongo.

Kunetsana nekukandirana makobvu nematete uku kuri kuuya apo Zimbabwe iri kukumbira mari yekutenga mapiritsi emaARV kubatsira vanorarama nehutachiona hweHIV/AIDS kusangano reClinton Foundation.

Asi mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba vakati hakuna kana mumwe chete zvake ari mujeri. Mukuru wesangano rengochani munyika reGALZ VaChesterfield Samba vatiwo hapana nhengo dzavo dziri muhudungwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaChesterfield Samba

Hurukuro NaVa Chesterfield Samba

Nhengo yePolitburo yeZanu-PF VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti mashoko aamai Clinton haana nematuro ose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana

Asi nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika uye vakamboshanda kumuzinda weZimbabwe kuEthiopia VaClifford Mashiri vanoti Zimbabwe infanira kutaura nevamiririri veAmerica munyika kana kuAmerica kwacho kwete kukwira pachitsuvi ichitukirira pedzozve yonokumbira mari.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaClifford Mashiri