VaBiti neVamwe Vavo Vovamba Bato Rinonzi People's Democratic Party

  • Blessing Zulu

Movement for Democratic Change (MDC) formation leaders Morgan Tsvangirai, Tendai Biti and Welshman Ncube. (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)

Zimbabwe nemusi weChina yakawana rimwe bato idzva rezvematongerwo enyika rinopikisa rinozivikanwa kuti People’s Democratic Party kana kuti PDP iro rinenge richitungamirwa nevaimbova gurukota rezvehupfumi VaTendai Biti.

VaBiti nevamwe vavo vakabuda mubato reMDC rinotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai vachiumba boka rinonzi MDC Renewal Team.

Bato iri rakaparura magwaro maviri anoti rinotarisa nezvehupfumi reHolistic Programme for Economic Change kana kuti HOPE uye gwara rezvematongerwo enyika reRestoration and Rehabilitation of the Electoral Sustainability kana kuti ARREST.

Vachitaura pamusangano uyu VaBiti vakati bato ravo rakazvipira kushanda nemamwe mapato ezvematongerwo enyika anopikisa kuti vakunde bato riri kutonga reZanu-PF.

Vakati bumbiro rebato ravo haritenderi kuti munhu arambe ari pachigaro kwematemu anodarika maviri.

Vamwe vemapato anopikisa munyika vakatumira nhumwa kukongiresi iyi vanosanganisa reZAPU, MDC inootungamirwa naVaWelshman Ncube uye chikwata chaamai Joyce Mujuru. Mizinda yeBritain neNigeria yakatumirawo nhumwa kumusangano uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTendai Biti