Sangano rinoona nezvesarudzo munyika, reZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, rinoti rakagadzirira zvakasimba kuita sarudzo dzema by elections nemusi weChitatu.
Asi vamwe vari kukwikwidza musarudzo idzi vari kugunun’una kuti kune mhirizhonga iri kuitika uye vamwe vanhu vari kutyisidzirwa zvikuru nevebato riri kutonga reZanu-PF.
As izvi zviri kurambwa hazvo nebato reZanu-PF.
Justice Rita Makarau
Sachagaro weZEC, Amai Rita Makarau, vanoti zvinhu zvose zviri kudiwa musarudzo zviri mugwara.
Vanotiwo pane zvimhingamupinyi zvishoma zvavari kusangana nazvo semazuva ose.
Amai Makarau vanoti vanhu vanosvika zviuru mazana mana ndivo vakanyoresa kuti vapinde musarudzo idzi. Vanotiwo vari kukwikwidza musarudzo idzi vanosvika zana nevana.
Mapato anopikisa igumi nerimwe asi vakawanda vari kupinda musarudzo vakazvimirira. Mapato eMDC ose ari maviri haasi kupinda musarudzo idzi achiti hurumende inofanirwa kutanga yavandudza mitemo yesarudzo.
Sangano reZimbabwe Election Support Network, kana kuti ZESN, rinotiwo riri kushushikana nenyaya yemhirizhonga iri kuitika kuHurungwe West.
Hurungwe West Independent candidate, Temba Mliswa
Vaimbopva sachigaro weZanu PF kuMashonaland West, VaTemba Mliswa, avo vakadzingwa mubato iri, vari kukwikwidzana vakazvimirira naVaKeith Guzah veZanu-PF. VaMliswa vanoti neMuvhuro chaiwo vatsigiri vavo vange vachirohwa.
Sachigaro weZimbabwe Human Rights Commission, VaElasto Mugwadi, avo vange vari munzira kuenda kuHurungwe West, vanoti vane gwaro ravakaita pamusoro pezviri kuitika kuHurungwe West, asi harisati roratidzwa vatori venhau.
Amai Makarau vanoti mhirizhonga inonzi iri kuitika kuHurungwe West vakainzwa, asi hapana zvizhinji zvavangataure sezvo iri mudare iro richapa mutongo waro neChipiri.
ZESN inotiwo pane kutengwa kwemavhoti kuri kuitwa pachishandiswa chikafu nezvimwe. Mukuru weZESN, Amai Rindai Chipfunde-Vava, vanoti kutenga mavhoti hakubvumidzwe nemitemo yesarudzo.
Vari kukwikwidza vakazvimirira kuLuveve muBulawayo, Muzvare Thembelihle Sibanda, vanoti vane chivimbo chekuti vanokunda.
VaMoses Nkomo vebato reTransform Zimbabwe vari kukwikwidza muGlen View muHarare, vanotiwo vane vimbo yekuti vachakunda.
KuManicaland, kuChikanga Dangamvura, vari kumirira National Constitutional Assembly musarudzo, VaRuramai Musiiwa, vanoti zvinhu zvose zviri mugwara uye vachakunda zvine mutsindo.
Asi vavari kukwikwidzana naVaMusiiwa, VaEsau Mupfumi veZanu-PF, vanoti mapato madiki nevari kukwikwidza vakazvimirira havakunde musarudzo nekuti hapana chavanobatsira nacho veruzhinji.
Vice President Emmerson Mnangagwa campaigning for Harare East Zanu PF candidate, Terrence Mukupe.
Vari kukwikwidzawo musarudzo idzi vakamirira Zanu-PF muHarare East, VaTerrence Mukupe, vanotiwo vari kufara negadziriro yavaita kusvika pari zvino.
Ko ivo vari kukwikwidza vakazvimirira ava vanobudirira here?
Amai Margaret Dongo, avo vakambokwikwidza vakazvimirira vakariga Zanu-PF, vanoti zvinongoenderana nekuti vanhu vanofunga sei nehurumende yeZanu-PF pari zvino.
Kunyangwe hazvo paine mhirizhonga nekutyisidzirwa kune dzimwe nzvimbo, dzimwe nzvimbo dzine sarudzo dzaona migwagwa ichigadzirwa uye vanhu vachipihwa chikafu nebato riri kutonga reZanu-PF.
Nyanzvi munyaya dzesarudzo dzinoti kuita kwakadai kutenga mavhoti.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Blessing Zulu