Vagari vekuNuanetsi Ranch Votamiswa Zvekare

Gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo, Amai Shuvai Mahofa, vanoti kutanga svondo rinouya vachatanga kutamisa zvekare vanhu vakabviswa kumahombe kombe kwedhamu reTokwe Mukosi nenyaya yemafashamu emvura.

Aka ndekechitatu vanhu ava vachitamiswa asi pasina mari svinu yavari kupihwa semuripo sezvinodiwa nebumbiro remitemo.

Hurumende inoti haina mari kunyange iko zvino yave kuti iri kutsvaga mamiriyoni mashanu emadhora ekutamisa vanhu ava ichivaendesa kumapurazi manomwe ari kugadzirwa kuti vanogara.

Kekutanga vakaendeswa kuChingwizi ndokuzoendeswa kuNuanetsi Ranch.

Asi vanhu ava vanoti nzvimbo yavari iko zvino yakazara nyoka, humhutu nezvibuwe zviri kuvaruma nekuuraya vamwe.

Svondo rapera, mukuru wezvehutano mudunhu reMasvingo, Dr Robert Mudyiradima, vakati vanhu vaviri vakabatwa nekorera kuNuanetsi Ranch.

Vanhu vakabviswa kuTokwe Mukosi vakatomboratidzira vachiti vaibatwa neseri kweruoko.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Shuvai Mahofa