Mapurisa neChina anonzi akaenderera mberi achiputsa dzimba dzevanhu vari papurazi reManzou kuMashonaland Central iro rinonzi ririkuda kutorwa nemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe.
Mhuri dzinodarika mazana maviri dzinonzi dzasara dzisina pekugara. Izvi zviri kuitwa hazvo nemapurisa kunyangwe dare repamusoro rakati vanhu ava havafanire kubviswa panzvimbo iyi.
Mumwe mugari wepapurazi iri VaMisheck Madamombe vanoti havachina pekutangira nekuti vaputsirwa matura avo ose.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro Misheck Madamombe
Gweta revanhu vari kupunzirwa dzimba ava VaTonderai Bhatasara vanovawo nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights avo vanoti vave kudzokera zvekare kumatare neChina kunovazivisa kuti mapurisa ari kuzvidza dare.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaTonderai Bhatasara
Vari kuendeswa kumatare nemagweta igurukota rezvemukati menyika VaKembo Mohadi, mukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri uye gurukota rinoona nezveminda VaDouglas Mombeshora.