ANC Inoti Haisi Kuzoita seZimbabwe paNyaya yeMinda neMakambani eVachena

  • Blessing Zulu

Munyori mukuru webato riri kutonga muSouth Africa, reAfrican National Congress, ANC, VaGwede Mantashe, vanoti havasi kuzotinhira vachena vemunyika yavo mugungwa vachitevedzera zvakaitwa neZimbabwe munyaya yekuendesa hupfumi kuvatema ichitandanisa vachena.

VaMantashe vange vachipindura mashoko akataurwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuChina neChipiri ekuti South Africa iri kudzorera nyika dzemuAfrica kumashure nenyaya yekutadza kutorera vachena hupfumi ichihuendesa kuvatema.

Bepanhau reHerald rinoti VaMugabe vakataura mashoko aya pamusangano wavakaita nevamiriri venyika dzemuAfrica vari muChina, uko vari kushanya kwemazuva mashanu kutanga nesvondo.

VaMugabe vati South Africa ikaita izvi, Africa yose ichawana chouviri.

Asi vachitaura neStudio7, VaMantashe vanoti South Africa ine mitemo negwara rayo rekutora kwete zviri kuitwa neZimbabwe.

Nyaya yaVaMugabe yekutora minda nemakambani zvine chisimba inonzi nevamwe ndiyo yapa kuti hupfumi hwenyika huende kumawere.

Mutauriri waVaZuma, VaMac Maharaj, varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti vanoda kutanga vaona gwaro rine mashoko aVaMugabe aya.

Hatina kukwanisa kubatawo mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, kuti tinzwewo mhinduro yavo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaBlessing Vava, vanoti mashoko aVaMugabe anounza kusawirirana pakati peSouth Africa neZimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Blessing Vava