Zimbabwe Yorumbidzwa neKurwisa HIV

  • Blessing Zulu

Zimbabwe

Mashoko aburitswa nebazi reUnited Nation reUnited Nations Programme on HIV and AIDS, ari kuratidza kuti Zimbabwe iri kuita zviri kuyemurwa nenyika dzakawanda mukurwisa kutapuriranwa kwe HIV.

Pavanhu vari kubatwa ne HIV pasi rose, Zimbabwe inonzi ine zvikamu zvitatu kubva muzana zvevanhu vatsva vabatwa nechirwere cheHIV/AIDS.

Zvinonzi vari kubatwa nechirwere ichi vazhinji vari kunzvimbo dzekumiganhu yenyika, uye kumaruwa, magrowth points nemapurazi akagariswa vanhu patsva.

Asi kubva muna 2005 kusvika muna 2013, Zimbabwe inonzi yakaderedza huwandu hwevanhu vari kubatwa neHIV nezvikamu makumi matatu nezvina kubva muzana.

Mumakore aya, Zimbabwe yaderedzawo huwandu hwevanhu vari kufa nedenda iri nezvikamu makumi mashanu nezvinomwe kubva muzana.

Nyika inonzi iri kukwanisawo kuwanira vanhu mishonga. National AIDS Council inoti vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nemazana maviri ezviuru vari kurarama nehutachiona hweHIV.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaEmmanuel Gasa naMuzvare Evince Mugumbate

Mukuru wesangano reAIDS and Art Centre, VaEmmanuel Gasa, vanoti Zimbabwe iri kuita zviri nani asi panoda kuti pawanirwe vechidiki mishonga.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reWomen and Aids Support Network, Muzvare Evince Mugumbate, vanoti nyika inofanira kuramba ichishanda zvakasimba kuti pasatombowana kana mumwe chete anotapurirwa chirwere.