VaTsvangirai Votanga Basa Vachiti Vave Kunzwa Zviri Nani

  • Blessing Zulu

VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vadzoka kubasa mushure mekurwara kwemasvondo maviri.

VaTsvangirai vanoti pamusoro pekudzokera kubasa, vadzokera zvakare kumutambo wavanofarira wegorufu.

Hurwere hwaVaTsvangirai hwakaita kuti munyika muve nemutauro wakanyanya, bepanhau reHerald rikabudutsawo nyaya yekuti vakanga vaita zvekutiza pavakabuda muchipatara vasina kubhadhara mari inodiwa.

Asi MDC-T yakazoburitsa mashoko ekuti VaTsvangirai vainge vabhadhara mari kwete sezvaitaurwa nebepanhau reHerald.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai


VaTsvangirai vanoti hurumende yeZanu-PF inofanirwa kuona kuti yavandudza mitemo yesarudzo kuitira kuti sarudzo dzose dzinoitwa munyika, dzinge dzichitwa zviri mugwara remitemo yenyika.

VaTsvangirai vanoti kana Zanu-PF ikasavandudza mitemo yesarudzo, bato ravo rakagadzirira kusapinda musarudzo dzose dzinotevera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai