Mai Mujuru Vokurudzira Kudyidzana kweZimbabwe neNyika dzePasi Rose

  • Loirdham Moyo

Vatsigiri vebato raMai Mujuru reZimbabwe People First

Mutungamiriri webato rinopikisa reZimbabwe People First, ZimPF, Amai Joice Mujuru vakati nyika inofanirwa kushamwaridzana nenyika dzose pasi rino kuitira kupedza matambudziko airi kusangana nawo munyaya dzezvehupfumi uye dzezvematongerwo enyika.

Amai Mujuru avo vaimbove mutevedzeri wemutungamiriri wenyika uye Zanu PF VaRobert Mugabe vasati vadzingwa muhurumende nemuZanu PF nekuzoumba bato ravo, vakati hazvina maturo zviri kuitwa nehurumende zvekuti vanoshamwaridzana chete nenyika dzekumabvazuva vachisiya dzimwe nyika dzekumadokero dzinokwanisa kuvayamura.

Amai Mujuru vakataura mashoko aya munhandare yeSakubva kuno kwaMutare nemusi weMugovera kumhomho yevatsigiri vavo pamusangano wavo wekutanga mudunhu reManicaland kubva pavakaumba ZimPF.

“Hautsoropodzi Nyamukuta kuzvara uchada; zvatiri kuda isu sePeople First hatisarudzi wekushanda naye tichatarisa kwese mativi ese toti chinonakira isu panyika iyi isu seZimbabwe ndechipi, tinozviwana, tazviwana tonangana nacho.

“Kana pasina zvatinoda tinosiyana nazvo tinonyarara. Unodireyi kutsoropodza, unongosiya zvakadaro nokuti mumwe musi unozowana pavakunyuka zvaunoda unonyara kuzoti gogoi futi chingosiya zvino kungoti unobviro kuita kuambana nekuambana neamwe ndizvo zvimwe zvatisvitsa patiri pano,” vakadaro Amai Mujuru.

Vakati sebato reZimbabwe People First vacharinga-ringa kwose kuedza kunyukura nyika mumatope mairi kana vava hurumende iri kutonga.

“People First inoti isu we are going to look everywhere. Kuti tione kuti ndezvipi zvingaita kutii Zimbabwe ipe vanhu vayo hope upe vanhu transformation yavari kuda.

"Iye zvino ndaimbotaurira vamwe kuti kana uri Head of State wafunga rwendo rwako pano rwekuenda kuMozambique unotanga wafunga kuti ndiri kunotandara chete here kana kuti ndiri kunouya nekasumbu kekuzogamuchirwa nevazukuru vandakasiya kumba,” vanowedzera Amai Mujuru.

Mutungamiriri weZimPF ava vakatsoropodzawo kuita kweZanu PF kwekurova uye kushungurudza vanhu vanenge vachiratidzira nekuda kwekuoma kwaita hupenyu munyika.

“Vanhu vari kubvunza kuti saka tinosvika kupi, chingotipinduraiwo chete. Isuwo vePeople First tinoti zvekurwa kwete vana vari kubvunza chingovapindurai, hamupindure vana nekurova, mwana kana akakumbira kuti ndine nzara haungamupe ndove yemombezve, unomutsvagira chekudya kuti agute.

“Vana vanoti tine nzara Baba, tine nzara, vana vanobvunza kuti chakati chakafamba seyi, unopindurawoka zvakanaka.”

Amai Mujuru vakati hurumende yeZanu PF ichi tungamirirwa naVaMugabe haina hwaro hwakajeka maringe nekufambiswa nemazvo kwenyaya dzekurima.

Vakati varimi vazhinji vari kuyaura kunyangwe vainge vakarima zvakanaka nekuda kwekusabhadharwa mari dzavo nemapazi ehurumende avanenge vatengesera zvirimwa.

“Dambudziko ririmo nderekuti hatina agricultural policy yakanaka munyika munoumu, vanhu vaneta.

"Vanorimireyi ndikarima chikafu chacho ndoenda kunotengesa makore nemakore hapana mari inouya kubva kuGMB saka ndinorimireyi; iyezvino chibage chakamira kurimwa, cotton yakamira kurimwa vanorima fodya ichatomirazve kurimwa nokuti maitirwe azvo ese ari kuratidza kuti kwatiri kuenda uku kune jira dema hakuna jira jena uku.”

Vakati makambani mazhinji emaMutare aipa vazhinji mabasa ainge akavhara nekuda kwekusafambiswa zvakanaka kwemabasa nehutungamiriri hwaVaMugabe.

Vakati panguva yavo vaisaona nezvemapazi ehurumende akaondomoka asi mamwe asineyi nemamiriro ezvinhu pari zvino.

Amai Mujuru vakakurudzira VaMugabe kuti vasiye chigaro vadaidzire dzimwe sarudzo patsva sezvo varemerwa uye kukundikana kugadzirisa matambudziko akatarisana neZimbabwe.

Vakati VaMugabe chete ndivo vane mhinduro panyaya yekutsakatika kwakaita mangoda ekwaChiadzwa anokosha mabhiriyoni gumi nemashanu emadhora, sezvo vange vari panyanga panguva yekusainirwa kwemakambani ayi achera.

Vakakurudzirawo kupedzwa kwehuwori muhurumende uye kuti vakuru vose vanobatwa nemhosva iyi vatongwe zvine jekerere pasina zvekutarisa kuti apara mhosva ndiyani.

Amai Mujuru vakange vari kwaMutare nehutungamiriri hwebato ravo vazhinji vacho vaimbove makurukota ehurumende yeZanu PF, vanosanganisira VaRugare Gumbo, VaDidymus Mutasa, VaDzikamai Mavhaire, Ambassador John Shumba Mvundura nevamwewo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Loirdham Moyo