ZEC Inowedzera Nzvimbo dzeKuvhotera

  • Thomas Chiripasi

Sachigaro veZEC Amai Priscilla Chigumba

Komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, yazivisa kuti yawedzera nzvimbo dzekuvhotera dzichashandiswa pasarudzo dzemwedzi uno.

Vachitaura nevatori venhau muHarare nhasi, sachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba vati danho ravatora iri nderekuyedza kuti mitsetse isareba musi wekuvhota, uye vaita izvi mumatunhu ane vanhu vakawanda vakanyoresa kuvhota sezvo dzimwe nzvimbo dziine vanhu vanodarika zviuru zvhishanu vakanyoresa kuvhota.

Amai Chigumba vati vakaita izvi vachitevera mutemo wesarudzo uyo uchangobva mukuvandudzwa, uyo unovapa masimba ekuisa dzimwe nzvimbo dzekuvhotera.

Asi danho iri ratsoropodzwa nemutungamiri weEconomic Justice in Zimbabwe, Muzvare Margaret Mutsamvi, avo vati zvaitwa neZEC izvi zvichaita kuti vanhu vazhinji vagotadza kuvhota musi wa30 Chikunguru pachaitwa sarudzo.

Asi Amai Chigumba vati hapana chinotadzisa vanhu kuti vavhote sezvo nzvimbo dzavaisa itsva idzi dzichange dziri parutivi pedzagara dzakanyoreswa nevanhu kuti ndipo pavachavhotera.

Vaenderera mberi vachiti sekomisheni vakatotsvaga vanhu vose vachaita basa rekuvhotesa musi wesarudzo.

Nzvimbo dzekuvhotera dzakaziviswa neZEC dzinosvika zviuru gumi nemazana mapfumbamwe ane makumi masere neshanu mumawadhi chiuru nemazana mapofumbamwe ane makumi mashanu nemashanu.

Zvichakadai, Amai Chigumba varamba kuti komisheni yavo ndiyo yakapa bato reZanu PF nhamba dzevanhu dzariri kushandisa kufonera vanhu richitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo.

Izvi zvinotevera kunyunyuta kuri kuita vanhu vakawanda vari kuti vari kufonerwa neZanu PF panguva iyo ZEC yakaramba kuburitsa gwaro rine mifananidzo yevanhu.

Amai Chigumba vatiwo havasi kuzoburitsa gwaro revavhoti rine mifananidzo yevanhu vakanyoresa kuvhota vachiti gwaro rine mifananidzo yevanhu rinogona kupinda mumaoko asiriwo rikazoshandiswa zvisirizvo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Thomas Chiripasi